Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chinoita Kuti Kuziva nezveEdheni Kukoshe Kwauri

Chinoita Kuti Kuziva nezveEdheni Kukoshe Kwauri

Chinoita Kuti Kuziva nezveEdheni Kukoshe Kwauri

PAZVIKONZERO zvinotaurwa nevanoramba kuti nhoroondo yeEdheni ndeyechokwadi, chinonyanya kushamisa ndechokuti vanoti nyaya iyi hapana pamwe painowanikwa muBhaibheri rose. Somuenzaniso, purofesa wezvidzidzo zvechitendero, Paul Morris akanyora kuti: “MuBhaibheri, hapana pamwezve panozombotaurwa zvakananga nezvenyaya yeEdheni.” “Nyanzvi” dzakasiyana-siyana dzingabvumirana nezvaanofunga, asi handicho chokwadi.

Chokwadi ndechokuti Bhaibheri rine pakawanda parinotaura nezvenyaya yeEdheni, Adhamu naEvha uyewo nyoka. * Kukanganisa kunoitwa nedzimwe nyanzvi kuduku chaizvo kana tichikuenzanisa nezvinoitwa nevatungamiriri vezvitendero uye vanoshora Bhaibheri. Vatungamiriri vezvitendero nevaya vanoshora Bhaibheri, pavanotaura kuti nyaya yemunda weEdheni inotaurwa muna Genesisi ndeyenhema, vanenge vari kutopikisana zvakasimba neBhaibheri. Sei tichidaro?

Kunzwisisa zvakaitika muEdheni kunobatsira kuti tinzwisise Bhaibheri rose. Somuenzaniso, Shoko raMwari rakanyorerwa kuti ritibatsire kuwana mhinduro dzemibvunzo inokosha inobvunzwa nevanhu. Mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo iyoyo kazhinji dzine chokuita nezvakaitika muEdheni. Ngatimbokurukurai mimwe mienzaniso.

Nei tichikwegura uye kufa? Adhamu naEvha vaizorarama nokusingaperi kudai vaizoteerera Jehovha. Asi vaizofa kana vakasateerera. Kubva musi wavasina kuteerera ndipo pavakabva vatangawo kufa. (Genesisi 2:16, 17; 3:19) Vakabva vava nechivi ndokuchipfuudzawo kuvana vavo. Ndokusaka Bhaibheri richiti: “Chivi zvachakapinda munyika nomunhu mumwe chete uye rufu zvarwakapinda nechivi, saizvozvowo rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vatadza.”—VaRoma 5:12.

Nei Mwari achirega uipi huripo? Mumunda weEdheni, Satani akati Mwari munyepi anonyima zvisikwa zvake zvinhu zvakanaka. (Genesisi 3:3-5) Saka haana kuva nechokwadi kana Jehovha ane kodzero yokutonga. Kusarudza kwakaita Adhamu naEvha kutevera Satani kwakabva kwaratidza kuti varamba kutongwa naJehovha, uye izvi zvakapa pfungwa yokuti munhu anogona kuzvisarudzira zvakanaka nezvakaipa. Pamusana pokururamisira kwakakwana uye uchenjeri zvaanazvo, Jehovha aiziva kuti paingova nenzira imwe chete yokuti agadzirise nyaya iyi. Nzira yacho kwaiva kumbosiya zvakadaro achipa vanhu mukana wokuti vambozvitonga pamadiro avo. Uipi hwakazovapo, humwe hwacho hunokonzerwa nokuti Satani ari kuramba achifurira vanhu, uye zvishoma nezvisho- ma huri kubudisa chokwadi chinokosha chokuti: Munhu haagoni kuzvitonga pasina Mwari.—Jeremiya 10:23.

Chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechei? Mumunda weEdheni, Jehovha akaisa mitemo yaizoita kuti nyika ive yakanaka. Akarayira Adhamu naEvha kuti vazadze nyika nevana vavo uye ‘vaikurire,’ kuitira kuti nyika yose ipedzisire yava paradhiso. (Genesisi 1:28) Saka chinangwa chaMwari nokuda kwenyika ndechokuti ive paradhiso inogarwa nevanhu vasina zvivi, mhuri yakabatana yevana vaAdhamu naEvha. Zvakawanda zvinotaurwa muBhaibheri zvine chokuita nokuzadzika kwechinangwa chepakutanga ichocho.

Nei Jesu Kristu akauya pasi pano? Kupanduka kwakaita Adhamu naEvha mumunda weEdheni kwakaita kuti ivo nevana vavo vose vazofa, asi Mwari akaita kuti pave netariro. Akatumira Mwanakomana wake pasi pano kuti azodzikinura vanhu. (Mateu 20:28) Zvinorevei izvozvo? Jesu ndiye aiva “Adhamu wokupedzisira,” uye akaita zvakanga zvatadza kuitwa naAdhamu. Chakaita kuti Jesu arambe asina chivi muupenyu hwake ndechokuti akaramba achiteerera Jehovha. Zvadaro akapa upenyu hwake sechibayiro kana kuti rudzikinuro, achiita kuti vanhu vakarurama vakanganwirwe zvivi zvozoita kuti vawane upenyu hwakanga huna Adhamu naEvha muEdheni vasati vatadza. (1 VaKorinde 15:22, 45; Johani 3:16) Saka zvakaitwa naJesu zvakavimbisa kuti chinangwa chaJehovha chokuti nyika ino ive paradhiso sezvakanga zvakaita Edheni zvichaitika. *

Chinangwa chaMwari hachisi chinhu chisinganzwisisiki, kana kuti dzidziso ine chokuita nokunamata isina kujeka. Inyaya yechokwadi. Sezvakanga zvakangoitawo munda weEdheni, uyo waiva nzvimbo chaiyo yaiva panyika pano yaigarwa nemhuka chaidzo uye vanhu chaivo, zvakapikirwa naMwari nezveramangwana ndezvechokwadi uye zvichaitika munguva pfupi iri kuuya. Iwe uchada kurarama munyika iyi here? Zvauchaita ndizvo zvinoratidza kuti unoda here kana kuti kwete. Mwari anoda kuti vanhu vakawanda chaizvo vararame munyika itsva iyi, kusanganisira vaya vairarama upenyu hwakaipa nokusaziva.—1 Timoti 2:3, 4.

Jesu paakanga ava kufa, akataura nemumwe murume airarama upenyu hwakaipa asi nokusaziva. Murume uyu akanga ari mhondi uye aiziva kuti zvakanga zvakakodzera kuti afe. Asi akakumbira kuti anyaradzwe uye apiwe tariro naJesu. Jesu akabva apindura achiti: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Kana Jesu achida kuzoona mhondi iyi yamutswa uye yakomborerwa nokupiwa upenyu husingaperi muparadhiso unofunga kuti haangadi kuti iwe uwanewo zvikomborero izvi here? Chokwadi anoda. Kunyange naBaba vake vanoda. Kana uchida kurarama munyika iyoyo, ita zvose zvaunogona kuti udzidze pamusoro paMwari uyo akasika munda weEdheni.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kuti uzive zvakawanda nezvechibayiro chaKristu, verenga chitsauko 5 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 10]

UPROFITA HWAKABATA BHAIBHERI ROSE

“Ndichaisa ruvengo pakati pako [nyoka] nomukadzi nepakati pevana vako nomwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.”—Genesisi 3:15.

Uhwu ndihwo uprofita hwokutanga hweBhaibheri hwakataurwa naMwari muEdheni. Ko mukadzi nembeu yake, uye nyoka nembeu yayo ndivanaani? Mukadzi nembeu yake uye nyoka nembeu yayo vaizovengana sei?

NYOKA

Satani Dhiyabhorosi.—Zvakazarurwa 12:9.

MUKADZI

Sangano raJehovha rezvisikwa zvokudenga. (VaGaratiya 4:26, 27) Isaya akafanotaura kuti “mukadzi” aizobereka rudzi rwomudzimu.—Isaya 54:1; 66:8.

MBEU YENYOKA

Vaya vanosarudza kuita zvido zvaSatani.—Johani 8:44.

MBEU YEMUKADZI

Jesu, uyo akabva kuchikamu chokudenga chesangano raJehovha ndiye aiva wokutanga pambeu. “Mbeu” inosanganisirawo hama dzaKristu dzakazodzwa avo vachatonga pamwe chete naye kudenga. VaKristu ivavo vakazodzwa ndivo vanoumba rudzi rwomudzimu, kureva “Israeri waMwari.”—VaGaratiya 3:16, 29; 6:16; Genesisi 22:18.

KUPWANYIWA CHITSITSINHO

Kuurayiwa zvinorwadza kwakaitwa Mesiya asi kwenguva pfupi. Satani akabudirira kuita kuti Jesu aurayiwe panyika. Jesu akazomutswa.

KUPWANYIWA MUSORO

Kuparadzwa kwaSatani. Jesu achaparadza Satani zvachose. Asati amuparadza, achabvisawo zvakaipa zvose zvakakonzerwa naSatani muEdheni.—1 Johani 3:8; Zvakazarurwa 20:10.

Kuti uone mamwe mashoko anotaura nezvemusoro mukuru weBhaibheri, ona bhurocha rinonzi Bhaibheri—Rinombotaura Nezvei? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Adhamu naEvha vakaona chakati tende pamusana pekutadza kwavakaita