Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vanhu Vachaparadza Nyika Ino Here?”

“Vanhu Vachaparadza Nyika Ino Here?”

“Vanhu Vachaparadza Nyika Ino Here?”

● Kana uchiona nyika uri muchadenga zvinoita sokuti ihurungudo yakanaka. Asi ukanyatsozvitarisa unoona kuti panyika zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Nei zvakadaro? Nokuti vanhu havaitarisiri zvakanaka. Vari kuparadza nyika nokusvibisa mhepo uye mvura, kutema miti zvakanyanya uye havasi kushandisa zvakanaka zviwanikwa zviri pairi. Panewo kurwisana, kuurayana uye unzenza izvo zvakonzera kuti nyika isada kunamata Mwari uye iite zvinhu zvakafumuka.

Uprofita hwakawanda hwakanyorwa muBhaibheri makore 2 000 apfuura hwakafanotaura kuti zvinhu izvi zvinosuruvarisa zvaizoitika. (2 Timoti 3:1-5; Zvakazarurwa 11:18) Bhaibheri rakafanotaurawo kuti hapana mumwe munhu achanyatsogadzirisa zvinhu izvi kunze kwaMwari chete. Nyaya idzi dzinokosha dzichakurukurwa muhurukuro yavose inoti: “Vanhu Vachaparadza Nyika Ino Here?” Hurukuro iyi ichakurukurwa paGungano Reruwa reZvapupu zvaJehovha rine musoro unoti, “Umambo hwaMwari Ngahuuye!” richatanga muna May kuUnited States richizoitwawo munyika yose.

Unokokwa noushamwari kuzopinda gungano reruwa richaitirwa panzvimbo iri pedyo newe. Kuti uzive kuti richaitirwa papi uye nguvai, tapota taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kana kuti nyorera vanobudisa magazini ino. Kero yepaIndaneti inoti www.dan124.com inoratidzawo nzvimbo dzichaitirwa magungano aya muno muZimbabwe uye mune dzimwe nyika.