Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa

Dhiyabhorosi akabva kupi?

Mwari haana kusika Dhiyabhorosi asi akasika ngirozi yakazoguma yava Dhiyabhorosi kana kuti Satani. Jesu akataura kuti pane imwe nguva Dhiyabhorosi aimbova wechokwadi asingaiti zvakaipa. Saka pakutanga Dhiyabhorosi aimbova ngirozi yakarurama yaMwari.—Verenga Johani 8:44.

Chii chakaita kuti ngirozi yakanaka igume yava Dhiyabhorosi?

Ngirozi iyi yakazoguma yava Dhiyabhorosi yakasarudza kupandukira Mwari uye yakafurira murume nomukadzi vokutanga kuti vapandukewo. Saka iyo yoga ndiyo yakazviita Dhiyabhorosi izvo zvinoreva kuti “Mucheri” uye Satani, izvo zvinoreva kuti “Mupikisi.”—Verenga Genesisi 3:1-5; Zvakazarurwa 12:9.

Kungofananawo nedzimwe ngirozi dzose nevanhu vose vakasikwa naMwari, ngirozi yakazoguma yava Dhiyabhorosi yaiva norusununguko rwokusarudza kuita zvakanaka kana zvakaipa, asi iyo yakada kunamatwa. Yakada mbiri kupfuura kuda kwayaiita kufadza Mwari.—Verenga Mateu 4:8, 9; Jakobho 1:13, 14.

Dhiyabhorosi ari kuramba achifurira vanhu sei? Unofanira kumutya here? Unogona kuwana mhinduro dzemibvunzo iyoyo muBhaibheri.