Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

 NYAYA IRI PAKAVHA | SATANI ARIKO HERE?

Tinofanira Kutya Satani Here?

Tinofanira Kutya Satani Here?

Sezvakangoita carbon monoxide, Satani haaoneki uye ane ngozi

Zvakaoma kuziva kana mhepo yava nemuchetura wacho. Hauoneki uye haunhuhwe, saka unogona kukuvadza vanhu vakarivara. Muchetura uyu unonzi carbon monoxide. Panhamba yevanhu vanofa nemuchetura pasi rose, tingati inopfuura hafu yacho inourayiwa necarbon monoxide. Asi haufaniri hako kutya. Pane nzira dzekuziva kana mhepo yava nemuchetura wacho uye dzekuzvidzivirira. Vakawanda vanoisa maaramu anovanyevera uye paanorira vanobva vangoona zvekuita.

Kungofanana necarbon monoxide, Satani haaoneki, anogona kutikuvadza, uye zvakaoma chaizvo kuziva kuti ava kutikanganisa. Asi Mwari anotibatsira. Kana ukashandisa zvipo zvinotevera zvaunopiwa naMwari, haufaniri hako kutya Satani.

Kusarudza zvaunoda. Jakobho 4:7 inotiudza kuti “Rwisanai naDhiyabhorosi, uye iye achakutizai.” Kunyange zvazvo Satani aine simba, haagoni kukumanikidza kuita zvausingadi. Iwe ndiwe unosarudza zvaunoda. Rugwaro rwa1 Petro 5:9 runoti: “Murwisei, [Dhiyabhorosi] makasimba pakutenda.” Yeuka kuti Jesu paakaramba zvakasimba miedzo mitatu, Satani akabva amusiya. (Mateu 4:11) Unogonawo kuramba kuita zvinodiwa naSatani.

Kuva shamwari yaMwari. Jakobho 4:8 inotikurudzira ‘kuswedera pedyo naMwari.’ Jehovha pachake anokukumbira kuti uite zvinoita kuti uve shamwari yake yepedyo. Ungazviita sei? Chinhu chakanaka chaungatanga kuita ndechokudzidza nezvake muBhaibheri. (Johani 17:3) Zvaunodzidza nezvaJehovha zvichaita kuti umude, uye kumuda ikoko kuchaita kuti uite kuda kwake. (1 Johani 5:3) Paunenge uchiswedera pedyo naBaba vako vekudenga, ivo vanoita sei? Jakobho anoenderera mberi achiti: Mwari ‘achaswedera pedyo newe.’

Jehovha anokupa zvaunoda pakunamata kuti akudzivirire

Kudzivirirwa naMwari. Zvirevo 18:10 inoti: “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.” Izvi hazvirevi kuti zita raMwari rakaita sezango. Asi zvinoreva kuti vaya vanotya zita raMwari vanogona kumukumbira kuti avadzivirire chero nguva.

Muenzaniso wemuBhaibheri. Mabasa 19:19 inoita kuti tizive zvakaitwa nevaKristu vakanga vachangobva kutendeuka muEfeso. Inoti: “Vazhinji vevaya vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vose. Vakaverenga pamwe chete mutengo wao, vakawana kuti aikosha  masirivha ane zviuru makumi mashanu.” * VaKristu ivavo vakaparadza zvose zvaiva nechekuita nemidzimu, pasinei nekuti zvaidhura zvakadii. Muenzaniso wavo unotibatsira chaizvo mazuva ano. Nyika ino yakazara zvemidzimu uye zvemashiripiti. Kunyange tumwe tutsika kana kuti zvimwe zvinhu zvine chekuita nemidzimu zvatingaona sekuti hazvina kuipa, zvinogona kuita kuti tinetswe nemadhimoni. Saka zvinokosha kuti udzivise zvinhu zvakadaro pasinei nekuti chii chichaitika.Dheuteronomio 18:10-12.

Kubvira achiri mudiki kusvika ava nemakore 50, Rogelio ambotaurwa munyaya yekutanga aifunga kuti Dhiyabhorosi haako. Asi akazoongororazve mafungiro ake panyaya iyi. Chii chakaita kuti adaro? Anoti, “Kekutanga muupenyu hwangu, ndakawana Bhaibheri. Zvandakadzidza muMagwaro zvakaita kuti ndibvume kuti Dhiyabhorosi ariko. Izvi zviri kundidzivirirawo kuti asanditsausa.”

“Zvandakadzidza muMagwaro zvakaita kuti ndibvume kuti Dhiyabhorosi ariko. Izvi zviri kundidzivirirawo kuti asanditsausa.”

Ungada kurarama panguva yakunenge kusisina Satani here? Zvinoita. Magwaro anoratidza kuti munguva iri mberi, Dhiyabhorosi uyo ari kutsausa vakawanda, achakandwa “mugungwa romoto nesarufa.” (Zvakazarurwa 20:10) Ichokwadi kuti moto chaiwo uye sarufa hazvigoni kupisa ngirozi. Saka gungwa remoto rinofanira kunge richimiririra kuparadzwa zvachose. Satani achange aparadzwa zvachose. Panguva iyi, vanoda Mwari vachafara zvikuru!

Pari zvino, ramba uchidzidza zvose zvaunogona nezvaJehovha nenzira dzake. * Fungidzira uchirarama panguva yachinenge chava chokwadi kutaura kuti, “Satani haako!”

^ ndima 8 Kana sirivha rimwe chete raikosha zvakaenzana nedhinari rekuRoma, zvaireva kuti mari yacho yaizenge yakawanda chaizvo, zvokuenzana nemari yaitambirwa nevashandi 50 000 pazuva.

^ ndima 11 Kuti uwane mamwe mashoko nezvaSatani uye kuti Mwari anoona sei kuita zvemidzimu, ona chitsauko 10 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Bvunza chero mumwe weZvapupu zvaJehovha kuti akupe rimwe chete.