Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Sei vanhu vakawanda vachiti kune Musiki?
Makore anenge 3 000 akapfuura, mumwe mudetembi akanyora kuti: “Ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.” (Pisarema 139:14) Paunofunga kukura kunoita mwana kubva pasero rimwe chete, hazviiti kuti ushamisike here? Vanhu vakawanda vanoti zvinhu zvipenyu zvakaitwa kuti zvivepo neMusiki.
Musiki wezvinhu zvose uyo akaita kuti panyika pagarike ndiyewo akasika upenyu. (Pisarema 36:9) Akataura nevanhu achitiudza nezvake.
Takabva kumhuka here?
Miviri yedu yakafanana neyemhuka pane zvakawanda. Chikonzero chacho ndechekuti Mwari akasika vanhu nemhuka kuti zvirarame panyika. Akasika munhu wekutanga kubva kuguruva, kwete kumhuka.
Vanhu vakasiyana nemhuka pazvinhu zviviri zvinokosha. Chekutanga, vanhu vanokwanisa kuziva Musiki, kumuda, uye kumuremekedza. Chechipiri, vanhu ndivo vakasikwa kuti vararame nekusingaperi, kwete mhuka. Asi iye zvino vanhu vose vanofa, nekuti munhu wekutanga akaramba kutungamirirwa neMusiki.