Ndakasikwa Zvakazonaka
Dhaunirodha:
1. Ndakasikwa zvakazonaka.
Ndin’ona, ndinonzwa, ndotamba.
Ndinomhanya-mhanya, ndichisvetuka.
Akandisika zvakanakisisa.
(KORASI)
Mwari akandisika zvakanaka—
Zvakandinakira, zvakazonaka.
Akasika zvese zvakanaka—
K’pfuura zvingaitwa nani zvake.
(BHIRIJI)
Kunzwa nd’onzwa; ndinoimba;
Maoko ekushanda nesimba.
Nemwoyo wekuti ndide vamwe.
Vondidawo nezvandoita.
(KORASI)
Mwari akandisika zvakanaka—
Zvakandinakira, zvakazonaka.
Akasika zvese zvakanaka—
K’pfuura zvingaitwa nani zvake.