Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rudzi Rumwe Rwakabatana

Rudzi Rumwe Rwakabatana

Dhaunirodha:

  1. 1. Kuri kuuya dutu.

    Zva_kutooneka.

    Hakasi keku_tanga,

    Kutambudzwa nenyika.

    Tichamira takashinga,

    NaJehovha padivi.

    ‘Hapana chombo chiripo’

    Chichatidederesa.

    (KORASI)

    Takabatana serudzi

    Tichibva m’nyika dzese.

    Takamira takasi_ _mba

    Nesimba raJehovha,

    Musimba raJehovha.

  2. 2. Tamirira nechivimbo

    ’She Jehovha Mukuru—

    Mwari achatiponesa,

    Ndewerudo rukuru.

    Ha’mbosiyi vanhu vake,

    Simba rake otipa.

    Vavengi havatikundi.

    Ti_ri vaJehovha!

    (KORASI)

    Takabatana serudzi

    Tichibva m’nyika dzese.

    Takamira takasi_ _mba

    Nesimba raJehovha.

    (BHIRIJI)

    Takamira tese,

    Tisingambotyi muvengi.

    Mwoyo uri m’kati medu

    Takapa Mwari wedu.

    (KORASI)

    Takabatana serudzi

    Tichibva m’nyika dzese.

    Takamira takasi_ _mba

    Nesimba raJehovha.

    Nesimba raJehovha.