RWIYO 68
Kudyara Mbeu yeUmambo
-
1. Huya kubasa raShe wedu;
Bvuma paanokudana.
Ari kuda kukubatsira;
Uchadzidza zvakawanda.
Mbeu yechokwadi inokura
Mumwoyo yakatendeka.
Saka shanda nesimba rako rese,
Uchishanda wakavimbika.
-
2. Zvinoda kushanda nesimba,
Basa rako ribereke.
Vanoda ngativabatsire
Vadzidze kuda chokwadi.
Vabatsire vatsunge, vasatya
Zvavachasangana nazvo.
Uchafara pauchaona mbeu
Ichikura mumwoyo mavo.
(Onawo Mat. 13:19-23; 22:37.)