MUSHANDIRAPAMWE WEKUKOKA VANHU KUZOYEUKA RUFU RWAJESU
Jesu Ndiye Achapedza Urombo
Jesu paaiva panyika airatidza kuti aida vanhu zvakadzama, kunyanya vaya vaiva varombo uye vaishungurudzika. (Mateu 9:36) Akasvika pakutofira vanhu kuitira kuti avabatsire. (Mateu 20:28; Johani 15:13) Munguva pfupi iri kutevera, acharatidza zvekare kuda kwaanoita vanhu nekushandisa kwaachaita simba rake saMambo weUmambo hwaMwari kuti apedze urombo huri panyika.
Bhaibheri rinoshandisa mashoko anobaya mwoyo pakutsanangura zvichaitwa naJesu:
“Iye ngaadzivirire vakaderera vari pakati pevanhu, ngaaponese vanakomana vemurombo.”—Pisarema 72:4.
Zvii zvaungaita kuti uratidze kuti unotenda zvatakaitirwa naJesu uye zvaachazotiitira mune ramangwana? Pana Ruka 22:19, Jesu akaudza vateveri vake kuti vayeuke kufa kwake. Ndosaka Zvapupu zvaJehovha zvichiungana gore negore zvichiyeuka zuva rekufa kwake. Tinokukoka kuti uzobatanawo nesu pakuyeuka kufa kwaJesu musi weSvondo 24 March, 2024.