Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Bhaibheri Rinomboti Kudii Nezvekunetsa Kuri Kuita Mvura Pasi Rese?

Bhaibheri Rinomboti Kudii Nezvekunetsa Kuri Kuita Mvura Pasi Rese?

 Tese tinoda mvura yakachena kuti tikwanise kurarama. Munyori mukuru wesangano reUnited Nations anonzi António Guterres akati: “Vanhu vari kuda mvura yakachena pasi rese vari kuramba vachiwedzera, izvi zvinogona kuzoita kuti mvura yakachena izopedzisira yava kunetsa kuwana.” Mabhiriyoni evanhu pasi rese agara achinetseka nekuwana mvura yakachena yekunwa.

Strdel/AFP via Getty Images

 Munhu wese achazombowanawo mvura yakachena here? Kana kuti mvura icharamba ichinetsa kuwana pasi rese. Bhaibheri rinomboti kudii?

Zvinotaurwa neBhaibheri nezvekunetsa kwemvura

 Bhaibheri rinovimbisa kuti dambudziko remvura richapera. Rinototi panyika pachange paine mvura yakawanda yakachena.

 “Mvura ichatubuka murenje, uye hova murenje. Nyika yakaomeswa nekupisa kwekunze ichava dziva rakazara netsanga, uye nyika yakaoma ichava nezvitubu zvemvura.”—Isaya 35:6, 7.

 Nei tiine chokwadi chekuti izvozvo zvichaitika? Inzwa zvinotaurwa neBhaibheri nezvemasikirwo akaitwa nyika.

Zvinotaurwa neBhaibheri nezvenyika uye zvinoita kuti mvura izonaya

 ‘Mwari haana kungosikira nyika pasina, asi akaiumba kuti igarwe.’—Isaya 45:18.

 Mwari akaita kuti nyika ikwanise kuramba ichichenesa mvura nekuti anoda kuti irambe ichigarwa.

 “[Mwari] anokwidza madonhwe emvura kumusoro; madonhwe acho anochinja kubva mumhute yake, ova mvura; makore anobva aidurura pasi; oinayisa pasi pane vanhu.”—Jobho 36:27, 28.

 Saka mavhesi aya ari kuratidza kuti Mwari akaita kuti nyika ikwanise kuramba ichiwana mvura uye kuichenesa. Zuva rinoita kuti imwe mvura iri mumakungwa ikwire mudenga, mvura iyoyo inozogadzira makore, mvura yobva yazonaya. Izvi zvinoita kuti panyika pagare paine mvura yakachena inokwanisa kushandiswa nevanhu uye mhuka.—Muparidzi 1:7; Amosi 5:8.

 “Ndichakunayisirai mvura panguva yayo, uye nyika yacho ichabereka zvibereko zvayo, uye miti yemusango ichabereka michero yayo.”—Revhitiko 26:4.

 Mwari akavimbisa vaIsraeri, avo vaiita zvekurima, kuti aizogara achivanayisira mvura kuti vaone goho rakanaka. Anoziva kuti zvirimwa zvinokura zvakanaka kana mvura ikagara ichinaya panguva yainofanira kunaya.

 Munguva pfupi iri kutevera, Mwari achaita kuti zvaakaitira vaIsraeri zviitikewo pasi rese. (Isaya 30:23) Asi pari zvino, munzvimbo dzakawanda dambudziko rekushomeka kwemvura riri kuramba richiwedzera, uye izvi hazvisi kungokonzerwa nekusanaya kwemvura chete. Bhaibheri rine zvimwewo zvarinotaura zvinoratidza kuti dambudziko iri rekushomeka kwemvura richapera.

Kupera kuchaita dambudziko rekushomeka kwemvura

 Bhaibheri rinoti Mwari achashandisa Umambo hwake kubvisa matambudziko ese ari panyika, kusanganisira dambudziko rekushomeka kwemvura. (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari ihurumende yekudenga ichatonga pasi rese. (Dhanieri 2:44; Zvakazarurwa 11:15) Hurumende iyi ichaita zviri kutadzwa nehurumende dzevanhu; ichabvisa zvinhu zvinokonzera dambudziko rekushomeka kwemvura.

 Dambudziko: Kuchinja kuri kuita mamiriro ekunze kuri kuita kuti mvura inaye yakawandisa ichizadza makungwa, zvoita kuti kuve nemafashamo uye nzara.

 Chichapedza dambudziko iri: Umambo hwaMwari huchagadzirisa zvese zvakakanganisika panyika. Mwari anovimbisa kuti: “Inzwa! Ndiri kuita kuti zvinhu zvese zvive zvitsva.” (Zvakazarurwa 21:5) Nzvimbo dzisinganayi mvura dzichange dzazara nemvura yakachena, uye zvinhu zvichamera kunyange munzvimbo dzisiri kumera zvinhu iye zvino. (Isaya 41:17-20) Umambo hwaMwari, huchitungamirirwa naJesu Kristu, huchaita kuti mamiriro ekunze ave akanaka.

 Paaiva panyika, Jesu akadzikamisa dutu raityisa zvichiratidza simba raakapiwa naMwari. (Mako 4:39, 41) Kristu, achitonga samambo weUmambo hwaMwari, achagumisa njodzi dzinongoitika dzega. Vanhu vachava nerugare uye vachararama vasisina chekutya nekuti kunenge kusisina njodzi ipi neipi zvayo.

 Dambudziko: Chimwe chiri kuita kuti mvura yakachena iwedzere kushomeka vanhu vanongoita zvinhu vasingafungi kuti zvichaguma nei uye makambani ane makaro anosvibisa nzizi, makungwa uye mvura iri pasi pevhu.

 Chichapedza dambudziko iri: Mwari achagadzirisa zvinhu panyika uye achachenesa mvura iri mumakungwa nenzizi nekuitawo kuti ivhu rinake. Nyika ichava paradhiso. Bhaibheri rinoti: “Renje nenyika yakaoma zvichapembera nemufaro, renje richafara rotumbuka seruva rinonzi safuroni.”—Isaya 35:1.

 Chii chichaitika kuvanhu vanoparadza nyika uye vasina hanya nevamwe vanhu? Mwari anovimbisa kuti ‘achaparadza vari kuparadza nyika.’—Zvakazarurwa 11:18; Zvirevo 2:21, 22.

 Dambudziko: Vanhu havasi kushandisa mvura zvakanaka zvekuti dambudziko rekushayikwa kwemvura riri kuramba richiwedzera.

 Chichapedza dambudziko iri: Umambo hwaMwari huchagadzirisa zvinhu zvakaipa zviri kukonzerwa nevanhu. Huchaita kuti ‘kuda kwaMwari kuitwe panyika.’ (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari huchadzidzisa vanhu kuti vachengetedze nyika. Isaya 11:9 inoti: “Nyika ichazara nekuziva Jehovha.” a Saka vanhu vachachengetedza nyika nezvese zviri pairi nekuti vanenge vava kuziva Jehovha, vava kumuda zvakadzama uye vava kudawo zvinhu zvaakasika.

  •    Kuti uzive zvimwe zvichaitwa neUmambo hwaMwari, ona nyaya yakanzi “Umambo hwaMwari Huchaitei?

  •    Verenga muBhaibheri pana Isaya chitsauko 35, kuti uone kuti Mwari achachinja sei nyika kuti ive paradhiso.

  •    Kuti udzidze zvakawanda nezvechinangwa chaMwari chaakasikira nyika uye vanhu, ona vhidhiyo inonzi Mwari Akasikirei Nyika?

a Jehovha ndiro zita raMwari. (Pisarema 83:18) Ona nyaya inoti “Jehovha Ndiani?