Russia Inorwisa Ukraine
Mangwanani emusi wa24 February 2022, mauto eRussia akatanga kubhomba Ukraine. Vatungamiriri vedzimwe nyika vakanga vamboedza kuita kuti hondo iyi isatanga asi zvakashaya basa. Kurwisana kuri kuita Russia neUkraine kunogona kukanganisa sei dzimwe nyika pasi rese? Mazuva mashoma apfuura, mukuru mukuru weUnited Nations, António Guterres, akati: “Kutambura kuchaita vanhu uye kuparadzwa kwezvinhu kuchange kwakakura chaizvo uye zvichakanganisa kuchengeteka kwenyika dziri muEurope nedzimwewo dziri pasi rese.”
Zviri kuitika izvi zviri kurevei tichifunga zvinotaurwa neBhaibheri?
Jesu akataura kuti yaizosvika nguva yekuti “rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo.” (Mateu 24:7) Kuti uone kuti Bhaibheri rinoratidza sei kuti hondo dziri kuitika mazuva ano dzinozadzisa uprofita hwakataurwa naJesu, verenga nyaya yakanzi “Chiratidzo ‘Chemazuva Ekupedzisira,’ Kana Kuti ‘Nguva Yekupedzisira’ Ndechipi?”
Bhuku raZvakazarurwa rinofananidza hondo nemutasvi ‘webhiza raiva neruvara rwakaita serimi remoto’ uyo “akabvumirwa kubvisa runyararo panyika.” (Zvakazarurwa 6:4) Verenga nyaya yakanzi “Ndivanaani Vakatasva Mabhiza 4?” kuti uone kuti uprofita uhwu hunoenderana sei nehondo dziri kuitika mazuva ano.
Bhuku raDhanieri rakataura kuti “mambo wekuchamhembe” aizokwikwidzana ‘namambo wekumaodzanyemba.’ (Dhanieri 11:25-45) Ona vhidhiyo inonzi Uprofita Hwakazadzika—Dhanieri Chitsauko 11 kuti uzive kuti nemhaka yei Russia nenyika dzinoitsigira vachinzi ndivo mambo wekuchamhembe. a
Bhuku raZvakazarurwa rinotaurawo ‘nezvehondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.’ (Zvakazarurwa 16:14, 16) Asi hondo iyi yakasiyana nedzatiri kuona mazuva ano dzinorwiwa pakati pemarudzi. Kuti unzwe zvakawanda nezvehondo iyi ichaitika mune ramangwana, verenga nyaya yakanzi “Chii Chinonzi Hondo yeAmagedhoni?”
Nei tiine chokwadi chekuti zvinhu zvichanaka mune ramangwana?
Bhaibheri rinoti Mwari ‘achagumisa hondo munyika yese.’ (Pisarema 46:9) Kuti uzive zvatinovimbiswa naMwari mune ramangwana verenga nyaya yakanzi “Tariro Yechokwadi Yeramangwana Rakanaka.”
Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuti Umambo hwaMwari huuye. (Mateu 6:9, 10) Umambo ihwohwo ihurumende iri kudenga uye ichaita kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika, izvo zvinosanganisira kuunza rugare panyika yese. Kuti unzwe kuti Umambo uhwu hunogona kukubatsira sei, ona vhidhiyo yakanzi Umambo hwaMwari Chii?
MuUkraine mune Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura 129 000. Sezvinongoita Zvapupu pasi rese, Zvapupu zviri kuUkraine zvinotevedzerawo Jesu nekusapindira mune zvematongerwo enyika uye kusatsigira hondo. (Johani 18:36) Pasi rese Zvapupu zvaJehovha zviri kuramba zvichizivisa “mashoko akanaka” ekuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchapedza matambudziko evanhu, kusanganisira hondo. (Mateu 24:14) Kana uchida kunzwa zvakawanda nezvetariro yatinovimbiswa neBhaibheri, unogona kuzadza fomu riri pajw.org kana kutaura nemumwe weZvapupu zvaJehovha.
a Kuti unyatsonzwa kutsanangurwa kweuprofita uhwu zvakadzama, verenga nyaya yakanzi “‘Mambo Wekuchamhembe’ Munguva Yekuguma” uye imwe yakanzi “Ndiani ‘Mambo Wekuchamhembe’ Mazuva Ano?”