Enda pane zvauri kuda

Hama nehanzvadzi dzichifara padziri kugamuchira Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiNahuatl (Central) (kumusoro nechekuruboshwe) uye muchiTarascan (kumusoro nechekurudyi)

20 JUNE 2023
MEXICO

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Rakabudiswa Mumutauro wechiNahuatl (Central) Uye wechiTarascan

Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki Rakabudiswa Mumutauro wechiNahuatl (Central) Uye wechiTarascan

Musi wa9 June, 2023, Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki rakabudiswa mumutauro wechiNahuatl (Central) uye wechiTarascan. MaBhaibheri aya akabudiswa pazuva rekutanga regungano remunharaunda rine musoro unoti: ‘Iva Nemwoyo Murefu’! rakaitwa mumutauro wechiNahuatl (Central) uye wechiTarascan. Pasi apa pari kuratidza zvimwe zvakaitika pamagungano acho.

Nahuatl (Central)

Hama Sean Scribner, vari muDare Rebazi rekuCentral America, vakabudisa Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiNahuatl (Central) pagungano raiva nevanhu 1 474. Gungano racho rakaitirwa muPuebla, kuMexico. Vanhu vanenge 500 000 vekuMexico vanotaura chiNahuatl (Central), uye vakawanda vacho vanogara nechepakati penyika yacho uye vamwe vari kumaodzanyemba.

Vashanduri vakaedza chaizvo kushandisa mashoko ari nyore kunzwisiswa nevanhu vanotaura chiNahuatl (Central). Bhaibheri iri rine mashoko emuzasi akawanda anoratidza mamwe mataurirwo anogona kuitwa mamwe mashoko mune dzimwe nzvimbo. Chimwe chinonyanya kukosha ndechekuti Bhaibheri iri rakadzosera zita raJehovha panzvimbo yaraiva muMagwaro ekutanga-tanga.

Tarascan

Hama Curtis Mills, vari muDare Rebazi rekuCentral America, vakabudisa Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiTarascan pagungano raiva nevanhu 662. Gungano racho rakaitirwa muMichoacan, kuMexico. Zvinofungidzirwa kuti kune vanhu vanopfuura 175 000 vanogara kuMexico uye vanenge 60 000 vari kuUnited States asi vachitaura chiTarascan.

Kunyange zvazvo kune mamwe maBhaibheri echiTarascan, asi maBhaibheri acho anoshandisa mashoko akaoma kunzwisisa. Uyezve, pamwe pacho haadzidzisi chokwadi cheBhaibheri nenzira yakarurama. Semuenzaniso, rimwe Bhaibheri rinoshandura Johani 10:30 richiti: “Ini naMwari Baba takafanana.” Asi Bhaibheri reShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiTarascan rinoti: “Ini naBaba tiri vamwe,” kuratidza kuti Jehovha naJesu vakabatana pazvinhu zvavanoita asi havana kuenzana.

Chido chedu ndechekuti dai maBhaibheri aya eShanduro yeNyika Itsva abatsira vanhu vakawanda kuziva Jehovha uye kumunamata.—Isaya 2:3.