Enda pane zvauri kuda

Kubva kuruboshwe tichienda kurudyi: Hama Yevgeniy Fedin, Artur Severinchik, naTimofey Zhukov

26 JULY 2022
RUSSIA

Jehovha Ari Kusimbisa Hama Kuti Dzitsungirire Kuiswa Mujeri

Jehovha Ari Kusimbisa Hama Kuti Dzitsungirire Kuiswa Mujeri

Dare reSurgut City Court of the Khanty-Mansi Autonomous Area rava pedyo kupa mutongo waro panyaya ine chekuita nehama 17 nehanzvadzi imwe chete. Pakati pavo pana hama Yevgeniy Fedin, Artur Severinchik naTimofey Zhukov. Muchuchisi haasati ataura kuti anoda kuti vapiwe mutongo wakaita sei.

Zvinhu Zvakaitika

  1. 15 February 2019

    Mapurisa akasecha dzimba dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha muguta reSurgut nemamwe maguta ari pedyo. Hama 7 dzakati dzakarohwa nemapurisa padzaibvunzurudzwa. Hama nhatu, dzinosanganisira Yevgeniy Fedin naArtur Severinchik dzakavharirwa mujeri dzichimirira kuti nyaya yacho iende kudare

  2. 7 March 2019

    Pashure pekunge hama Artur vagara mujeri kwemazuva 21 vachimirira kuti nyaya yacho itongwe, rimwe dare rakati vabudiswe

  3. 11 April 2019

    Hama Yevgeniy vakabudiswa mujeri pashure pekunge vagaramo kwemwedzi inenge miviri vachimirira kuti nyaya yacho itongwe. Dare rine zvavakavarambidza panyaya dzekuita nzendo, kukurukura nevamwe uye kushandisa indaneti

  4. 16 January 2020

    Mutongi akarayira kuti hama Timofey Zhukov vaende kuchipatara chevanhu vanorwara nepfungwa kuti vanotariswa. Vaongorori venyaya yacho vakati vaifanira kunotariswa kuchipatara ichi nekuti vairamba vakanyarara pavaibvunzurudzwa nepo vaiva nekodzero yekuramba vakanyarara maererano nemutemo uri muArticle 51 yeBumbiro Remutemo weRussian Federation. Hama Timofey vakakumbira kuti murayiro iwoyo uongororwe zvakare mudare

  5. 5 February 2020

    Mapurisa akasunga hama Timofey pavaibva mudare. Kunyange zvazvo murayiro wanga wapiwa waifanira kuongororwa zvakare, vakavaendesa kuchipatara chevanorwara nepfungwa chiri muguta reYekaterinburg, iro riri kure nemakiromita 1 200 uye vakagara imomo kwemazuva 14

  6. 5 March 2020

    Rimwe dare rakati zvaisava pamutemo kuti hama Timofey varambe vakavharirwa kuchipatara chevanhu vanorwara nepfungwa

  7. 19 October 2021

    Dare rakati hama Timofey vabhadharwe nemhaka yekuvharirwa muchipatara zvisiri pamutemo kwavakaitwa

  8. 12 November 2021

    Nyaya payakatanga kutongwa mudare, magweta ehama dzedu akaratidza uchapupu hwekuti mapurisa akaita zvinhu zvisiri pamutemo uye zveutsinye zvinosanganisira kurova vanhu, kupa uchapupu hwenhema uye kushandisa vanhu vane rusarura kuti vaongorore nyaya yacho. Hama dzedu dzakakumbira dare kuti ridzorere nyaya yacho kumuchuchisi

  9. 15 November 2021

    Mumwe mutongi akabvuma kuti pane zvinhu zvisiri pamutemo zvakaitwa paiongororwa nyaya yacho asi akaramba kuti idzorerwe kumuchuchisi

Nhoroondo Dzeupenyu

Tine chokwadi chekuti Jehovha acharamba aina hama Yevgeniy, Artur, Timofey, nehama nehanzvadzi dzedu dzese dziri ‘kuramba dzakatarisa zvinhu zvisingaoneki’ dzichitsungirira kutambudzwa.—2 VaKorinde 4:17, 18.