26 JULY 2022 | NYAYA IYI PAYAVA: DECEMBER 6, 2023
RUSSIA
NYAYA IYI PAYAVA—HAMA DZEDU DZAKANZI DZINE MHOSVA | Kusimbiswa Nemunyengetero
Musi wa5 December 2023, dare reSurgut City Court of the Khanty-Mansi Autonomous Area rava pedyo nekupa mutongo waro panyaya ine chekuita nehama 17 nehanzvadzi imwe chete. Hama idzi dzinosanganisira Vyacheslav Boronos, Saveliy Gargalyk, Yevgeniy Kayryak, Artem Kim, Sergey Loginov, Aleksey Plekhov, naSergey Volosnikov. Hama dzacho 17 dzakapiwa mitongo yekugara mujeri inotangira pamakore 6 nemwedzi mitatu kusvika pamakore 7, asi mitongo yacho yakambosendekwa padivi. Hanzvadzi yacho yakapiwa mutongo wekugara mujeri kwemakore matatu nemwedzi mitatu, asi mutongo wacho wakambosendekwa padivi. Havasati vava kufanira kuenda kujeri pari zvino.
Zvinhu Zvakaitika
15 February 2019
Mapurisa akasecha dzimba dzakawanda dzeZvapupu zvaJehovha muguta reSurgut nemamwe maguta ari pedyo. Izvi zvakaita kuti hama nhatu dzinosanganisira Sergey Loginov dzivharirwe dzichimirira kuti nyaya yacho iende kudare. Hama imwe chete yakarayirwa kuti iende kuchipatara chevanhu vanorwara nepfungwa. Hama 7 dziri kutaurwa munyaya ino dzakabatwa zvisina kunaka nekuti dzakaramba kubudisa mashoko ane chekuti nevamwe vavanonamata navo
26 February 2019
Dare reEuropean Court of Human Rights rakarayira kuti hurumende yeRussia ibudise hama Sergey Loginov mujeri kuti vakwanise kuenda kunorapwa
11 April 2019
Hama Sergey Loginov vakabudiswa mujeri mavanga vakavharirwa vachimirira kuti nyaya yavo ipinde mudare
29 October 2021
Nyaya inotanga kutongwa mudare
Nhoroondo Dzeupenyu
Hama nehanzvadzi dzedu dzine ushingi padziri kutambudzwa, tine chokwadi chekuti Jehovha anonzwa minyengetero yavo uye achakurumidza kuvapindura pavanenge vachitambudzika.—Pisarema 69:17.