1 SEPTEMBER, 2021 | NYAYA IYI PAYAVA— OCTOBER 25, 2023
RUSSIA
NYAYA IYI PAYAVA—HAMA YEDU YAKASUNGWA | Kunyengetera Uye Kuverenga Bhaibheri Zviri Kubatsira Hama Aleksey Khabarov Kuramba Vakashinga
Musi wa20 October 2023, dare rePorkhovskiy District Court of the Pskov Region rakati Hama Aleksey Khabarov vane mhosva richibva ravapa mutongo wekugara mujeri kwemakore maviri nehafu. Mutongo uyu wakapiwa pashure pekunge muchuchisi akumbira kuti nyaya iyi idzoke mudare. Aka kanga kava kechitatu nyaya yaHama Khabarov ichitongwa mudare. Vakabva vatovharirwa.
Musi wa27 June 2022, dare rePorkhovskiy District Court of the Pskov Region rakati Hama Aleksey Khabarov havana mhosva dzese dzavaipomerwa.
Zvinhu Zvakaitika
Musi wa26 November 2021, dare rePskov Regional Court rakanzwa chikumbiro chahama Khabarov chekuti nyaya yavo itongwe zvekare. Nyaya yacho yakadzoserwa kudare rakatanga kutonga nyaya iyi kuti inotongwa nemumwe mutongi akasiyana newekutanga. Havasi kufanira havo kuenda kujeri panguva ino
7 September 2021
Dare rePorkhovskiy District Court riri kuPskov rakati hama Aleksey Khabarov vane mhosva uye rakavatongera makore matatu mujeri asi makore acho akasendekwa padivi
29 October 2020
Nyaya yahama Aleksey yakapinda mudare
28 August 2020
Pakutanga Aleksey akapomerwa mhosva yekuita misangano ine chekuita nechitendero iyo vanhu vanenge vachitaura zvavanotenda, vachiverenga Bhaibheri uye vachikurukura zvinhu zvine chekuita neBhaibheri nekuimba nziyo dzechitendero
7 February 2020
Aleksey akabvunzurudzwa kechipiri. Paaibvunzurudzwa zvakaonekwa kuti mapurisa akanga arekodha zvaaitaura pafoni muna 2018
31 January 2020
Aleksey akapomerwa mhosva asi haana kubva avharirwa mujeri
24 May 2019
Aleksey akanyora chikumbiro chake kusangano reOmbudsman for Human Rights riri kuPskov achitaura kuti haana mhosva asi ari kungotsigira zvaanotenda. Sangano racho rakabvuma kuti Aleksey ane kodzero yekuita zvinoenderana nezvaanotenda
3 April, 2019
Imba yaAleksey yakasechwa nemapurisa, zvimwe zvinhu zvake zvakatorwa uye akabvunzurudzwa nemapurisa
Nhoroondo Yeupenyu
Tinonyatsobvumirana nahama Aleksey kuti Jehovha anogara achibatsira vakavimbika vake kuti vave ‘neushingi uye vasimbe mwoyo.’—Pisarema 27:14.