23 MARCH 2022
UKRAINE
NYAYA IYI PAYAVA #4 | Hama Dziri Kuramba Dzichiratidzana Rudo Zvinhu Pazvakaoma muUkraine
Tinoramba tichinyengeterera hama nehanzvadzi dzedu dziri muguta reMariupol, umo muri kuramba muchingorwiwa. Zvinosuwisa kuti hama nehanzvadzi dzedu 6 dzakafa muhondo iyi. Kusvika parizvino, hama nehanzvadzi dzakashaya muUkraine, dzava kusvika 10. Munhau makataurwawo kuti pane chimwe chivakwa chaiva nevanhu vakanga vakahwanda vanopfuura 1 000 chakabhombwa vhiki rakapera. Hapana Chapupu chakafa pakubhombwa uku kwakaitika. Vamwe ndivo vakangokuvara asi kwete zvakanyanya.
Hama nehanzvadzi dzinenge 750 dzakakwanisa kubuda muMariupol, asi kuchiine vanosvika 1 600 vasati vakwanisa kutiza. Vakawanda vacho vari nechekumabvazuva kweguta racho uye masoja eRussia ndiwo ava nesimba ikoko.
Sezvakambotaurwa, hama nehanzvadzi dzinosvika 200 dzakahwanda mukamuri riri pasi pevhu paImba yeUmambo uye Imba Yemagungano. Pakamboita kamukana kekutaura nehama idzi dzakahwanda dzakati:
“Panguva yakwaibhombwa dzimwe hama nehanzvadzi dzakanga dzichitya zvisingaiti zvekuti vamwe vakatanga kuchema. Patainzwa mabhomba achiputika panze takafunga kuti tichaputikirwa kana kuti tichatsvira muno. Mumwe mukuru akafunga nezvekuti tiimbe nziyo dzeUmambo. Takaimba nziyo dzinenge 10 kusvika ku15. Ruzha rwekuputika kwemabhomba parwaiwedzera, uye chivakwa chataiva pachakatanga kuwedzera kuzununguka, takawedzerawo kuimba nemanzwi ari pamusoro. Takabva taverenga Pisarema 27 tichibva tarikurukura. Tapedza kuita izvozvo, mumwe nemumwe akabva atanga kutaura mavhesi aanofarira achitaurawo kuti mavhesi iwayo akamusimbisa sei. . . . Takanyatsoona kuti Jehovha ‘ndiBaba vengoni huru uye Mwari wekunyaradza kwese,’ uyo anogona kutidzikamisa zvinhu pazvinenge zvakanyanya kuoma.”—2 VaKorinde 1:3, 4.
Vakuru vanozvipira pamwe chete nehama dziri muKomiti Yekubatsira Panoitika Njodzi dzinoshanda nesimba kutsvaga hama nehanzvadzi uye kuvavigira zvekudya nemishonga, kunyange zvazvo zvichiisa upenyu hwavo pangozi. Dzimwe nguva vanotoita zvekukambaira kuti vasapfurwa nemabara vachitsvaga hama dzavo. Tinodada nezviri kuitwa nehama dzedu, ‘dziri kuisa upenyu hwadzo pangozi’ vachiitira hama dzavo.—VaRoma 16:4.
Sezvo kusina magetsi, hanzvadzi dziri kubika nemoto uye zvinoda ushingi kuti ubude panze uchibika. Zvekudya zvacho zvinobva zvaendeswa kuhama dzakwegura uye dzakaremara. Vakawanda vakarasikirwa nemisha, mota, uye zvinhu zvavo asi vanotenda chaizvo rudo rwavari kuratidzwa nehama nehanzvadzi dzavo.
Vaya vakahwanda munzvimbo dzakasiyana-siyana vari kuedza kuramba vachinamata Jehovha nekudzidza Bhaibheri pamwe chete uye kuparidzirawo vamwe pavanowana mukana.
Pakazosvika musi wa22 March 2022, mushumo uyu ndiwo watakanga tawana kubva kuUkraine. Mushumo uyu uri kubva pane zvakataurwa nehama dziri munyika iyi. Asi nhamba dzacho dzinogona kunge dzakatokura kudarika ipapa sezvo zvakaoma kuti tigare tichiwana mashoko kubva kumativi ese ari munyika yacho.
Zvakaitika kuHama Nehanzvadzi Dzedu
Vaparidzi 10 vakashaya
Vaparidzi 27 vakakuvara
Vaparidzi 33 180 vakatiza misha yavo vachienda kunzvimbo dzisiri kunyanya kurwirwa muUkraine imomo
Dzimba 78 dzakaparadzwa
Dzimba 102 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba 484 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya
Imba yeUmambo imwe chete yakaparadzwa
Dzimba dzeUmambo 4 dzakakanganisika zvakanyanya
Dzimba dzeUmambo 18 dzakakanganisika asi kwete zvakanyanya
Mabasa Ekuyamura
Makomiti Anobatsira Panoitika Njodzi 27 akaumbwa kuti abatsire muUkraine
Vaparidzi 25 069 vakabatsirwa nemakomiti aya kuti vawane pekugara munzvimbo dzakachengeteka
Vaparidzi 14 308 vakatizira kune dzimwe nyika uye vari kubatsirwa nezvimwe Zvapupu