14 DECEMBER 2021
UNITED STATES
Mhepo Ine Simba Yaparadza Zvinhu muUnited States
Kubva musi wa10 December 2021, mhepo ine simba chaizvo yakapfuura nechepakati uye kumaodzanyemba kweUnited States. Mhepo iyi yauraya vanhu vakawanda uye yaparadza dzimba nezvinhu zvakawanda munzvimbo yakareba makiromita 402. MuKentucky ndimo mayakanyanya kuparadza.
Zvakaitika Kuhama Nehanzvadzi Dzedu
Hapana akafa kana kukuvara
Vaparidzi 31 vaitofanira kusiya misha yavo
Dzimba 10 dzakakanganiswa nemhepo iyi, asi kwete zvakanyanya
Dzimba 3 dzakakanganiswa zvakanyanya
Dzimba 9 dzakaparadzwa
Mabasa Ekuyamura
Vatariri vematunhu uye vakuru veko vari kunyaradza mhuri dzakawirwa nedambudziko iri
Basa rekuyamura riri kuitwa pachitevedzerwa mitemo yekuzvidzivirira paCOVID-19
Tine chokwadi chekuti Jehovha anonzwira tsitsi hama nehanzvadzi dzese dziri kutambura nemhaka yenjodzi idzi dzinongoitika dzega.—Isaya 63:9.