Enda pane zvauri kuda

Kuyeuka Rufu rwaJesu

Mugovera, 12 April 2025

Kamwe chete pagore, Zvapupu zvaJehovha zvinoyeuka rufu rwaJesu, zvichiteerera murayiro waakapa wekuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19.

Tinokukoka kuti uzopinda musangano uyu.

Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa

Musangano wacho unotora nguva yakareba sei?

Uchatora ingasvika awa imwe chete.

Uchaitirwa kupi?

Taura neZvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kuti uzive kuti vachapindira kupi.

Panobhadhariswa kupinda here?

Kwete.

Panofambiswa ndiro yekukumbira mari here?

Kwete.

Ndinofanira kunge ndakapfeka sei?

Kunyange zvazvo munhu achigona kupfeka zvaanoda, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kutevedzera zano riri muBhaibheri rekupfeka zvine mwero uye zvine ruremekedzo. (1 Timoti 2:9) Haufaniri hako kupfeka sutu kana hembe dzinodhura.

Chii chinenge chichiitwa pamusangano wacho?

Musangano wacho unotanga nerwiyo nemunyengetero wozopedziswa nerwiyo nemunyengetero. Munyengetero mumwe nemumwe unopiwa nemumwe weZvapupu zvaJehovha. Pachapiwa mharidzo yeBhaibheri inotsanangura kukosha kwerufu rwaJesu uye kuti tingabatsirwa sei nezvatakaitirwa naMwari naKristu.

Rufu rwaJesu ruchayeukwa riini mumakore anotevera?

2025: Mugovera, 12 April

2026: China, 2 April