Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha Zvinodzidziswa Sei Kuita Ushumiri Hwazvo?

Zvapupu zvaJehovha Zvinodzidziswa Sei Kuita Ushumiri Hwazvo?

 Zvapupu zvaJehovha zvinogara zvichidzidziswa mararamiro anofanira kuitwa nevaKristu, ayo anosanganisira ushumiri hwavo. Ushumiri ihwohwo ibasa iro Jesu akarayira vateveri vake kuti vaite, basa rekuparidza nekudzidzisa mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14; 28:19, 20) Tinodzidziswa kuita basa iroro pamisangano yedu yevhiki nevhiki uye pamagungano edu atinoita gore negore. Pane mamwe mabasa anoitwa musangano reZvapupu zvaJehovha anoda kuti vaya vanoapiwa vadzidziswe. Saka pane zvikoro zveBhaibheri zvakasiyana-siyana zvavanodzidziswa kuti vaite mabasa acho nemazvo.

Zviri munyaya ino

 Zvapupu zvaJehovha zvinodzidziswa sei?

 Misangano yeungano. Vhiki rega rega, tinopinda misangano miviri muzvivakwa zvatinonamatira zvinonzi Dzimba dzeUmambo. Mumwe wacho unowanzoitwa pakati pevhiki; mumwe wacho pakupera kwevhiki. Munhu wese akasununguka kuuya uye kupinda hakubhadhariswi.

  •   Musangano wepakati pevhiki. Tinodzidziswa kuti tikwanise kuverenga zvakanaka, kukurukura nevanhu, kupa mharidzo, uye kuparidza kune veruzhinji nekudzidzisa vanhu Bhaibheri. Izvi zvinoitwa pachitevedzerwa purogiramu inenge iine mharidzo pfupi, kubvunzwa mibvunzo vanhu vachipindura, kuenzanisira, uye kuona mavhidhiyo. Kudzidziswa kwatinoitwa uku kunotibatsira kuti tiwedzere unyanzvi pakuudza vamwe mashoko emuBhaibheri uye kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri kuvanhu vanofarira. Munhu wese anopinda misangano iyi anobatsirwa nayo. Chinonyanya kukosha ndechekuti misangano yedu inosimbisa kutenda kwedu muna Mwari, kumuda kwatinoita, uye kuda kwatinoita vatinonamata navo.

  •   Musangano wekupera kwevhiki. Musangano uyu une zvikamu zviviri uye unotanga nemharidzo yeBhaibheri iyo inonyanya kuitirwa vanhu vanenge vasiri Zvapupu. Chikamu chechipiri chemusangano uyu ndechemibvunzo nemhinduro chatinokurukura tichishandisa chinyorwa chinonzi Nharireyomurindi. a Nyaya dzacho dzinotaura uye kutsanangura misoro yemuBhaibheri uye mazano anotibatsira muushumiri hwedu uye pakurarama kwedu.

 Magungano Atinoita. Gore rega rega tinoita magungano matatu, uye rimwe nerimwe rawo rinopindwa neungano dzakawanda. Magungano aya ane musoro wakavakirwa muBhaibheri, uye anosanganisira mharidzo, tumitambo tunoitwa, mavhidhiyo, uye vanhu vanenge vachibvunzwa zvakaitika muupenyu hwavo. Kungofanana nemisangano yedu yeungano, magungano edu anoita kuti tiwedzere ruzivo rwedu rweBhaibheri uye anotibatsira kuti tive vaparidzi uye vazivisi vemashoko akanaka vanobudirira. Munhu wese akasunungukawo kupinda magungano aya, uye hapana mari inobhadhariswa.

 Zvikoro zveBhaibheri zveZvapupu zvaJehovha

 Zvimwe Zvapupu zvaJehovha zvinokokwa kupinda zvikoro zveBhaibheri zvakasiyana-siyana kuti vave neruzivo rwakawedzerwa. Zvikoro izvi ndezvipi? Chinangwa chazvo ndechei uye zvinotora nguva yakareba sei? Ndivanaani vanogona kuzvipinda?

Chikoro Chebasa Reupiyona

  •   Chinangwa: Kudzidzisa vashumiri venguva yakazara, vanonzi mapiyona, b kuti vave neunyanzvi hwekuita basa rekuparidza nekudzidzisa vanhu Bhaibheri. Chikoro chacho chinosanganisira kubvunzwa mibvunzo kunoitwa vanhu vachipindura, kuenzanisira, mharidzo dzeBhaibheri, uye mabasa ekuita evadzidzi.

  •   Nguva yachinotora: Mazuva 6.

  •   Vanochipinda: Vaya vanenge vaita gore vari mapiyona ndivo vanokokwa. Vaya vava nenguva refu vari mapiyona asi vapfuura makore 5 vasina kuchipinda vanogona kukokwa kuti vapinde zvakare.


Chikoro Chevazivisi Vemashoko eUmambo

  •   Chinangwa: Kudzidzisa vashumiri venguva yakazara vane unyanzvi. Vadzidzi vanowedzera kuva neunyanzvi hwekuparidza nekudzidzisa, uye vanonyatsodzika-dzika neBhaibheri. Vakawanda vanenge vagirajuweta muchikoro ichi vanonzi vanoshumira kunzvimbo dzinodiwa vaparidzi vakawanda.

  •   Nguva yachinotora: Mwedzi miviri.

  •   Vanochipinda: Mapiyona anogona kunyorera kuchipinda kana achikodzera uye achizokwanisa kunoshumira chero kunodiwa vaparidzi vakawanda.


Chikoro Chevakuru Veungano

  •   Chinangwa: Kubatsira vakuru c kuti vaite mabasa avo muungano, akadai sekudzidzisa nekufudza, uye kuti vawedzere kuda kwavanoita Mwari nevavanonamata navo.—1 Petro 5:2, 3.

  •   Nguva yachinotora: Mazuva 5.

  •   Vanochipinda: Vakuru vachangobva kugadzwa uyewo vakuru vava nemakore 5 vachipinda vanogona kukokwa kupinda zvakare.


Chikoro Chevatariri Vematunhu Nemadzimai Avo

  •   Chinangwa: Kudzidzisa vashumiri vanoshanyira ungano vanonzi vatariri vematunhu, d kuti vanyatsoita mabasa avo zvizere. (1 Timoti 5:17) Kosi yacho inobatsirawo vakuru ivavo vechiKristu nemadzimai avo kuti vawedzere kunzwisisa Magwaro.

  •   Nguva yachinotora: Mwedzi mumwe chete.

  •   Vanochipinda: Vatariri vematunhu vatsva nemadzimai avo vanokokwa kuti vachipinde pashure pegore vatanga kuita basa iri. Vanozokokwazve kuti vachipinde pashure pemakore anenge 5 ega ega.


Chikoro Cheushumiri hweUmambo

  •   Chinangwa: Kubatsira vakuru nevashumiri veungano e kuita mabasa avo zvichienderana nezvinenge zvichiitika panguva iyoyo, uye zvinodiwa neungano. (2 Timoti 3:1) Chikoro ichi chinogara chichiitwa pashure pemakore mashoma.

  •   Nguva yachinotora: Zvinosiyana-siyana, asi kakawanda kacho izuva rimwe chete.

  •   Vanochipinda: Vatariri vematunhu, vakuru, uye vashumiri veungano.


Chikoro Chebasa reBheteri

  •   Chinangwa: Kubatsira vari paBheteri f kuti vakwanise kuita basa ravo uye kusimbisa kuda kwavanoita Mwari nevamwe.

  •   Nguva yachinotora: Mazuva 5 nehafu.

  •   Vanochipinda: Vanenge vachangobva kukokwa kuBheteri vanofanira kuchipinda. Vaya vanenge vapfuura makore 5 kubva pavakachipinda vanogona kukokwa kuti vapinde zvakare.


Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi

  •   Chinangwa: Kuita kuti vadzidzi vawedzere kukoshesa kwavanoita Shoko raMwari uye kuvabatsira kuti vashandise zvavanodzidza. (1 VaTesaronika 2:13) Varume nevakadzi ivavo vechiKristu vakasimba pakunamata avo vanopinda Giriyedhi vane zvakawanda zvavanozokwanisa kuita musangano raJehovha uye mubasa rekudzidzisa Bhaibheri munyika yese. Vanenge vagirajuweta vanogona kunzi vaende kunoparidzira munzvimbo dzavanonzi vaende kana kuenda kunoshanda pamahofisi eZvapupu, mungava munyika yavanobva kana kuti kune imwe nyika.

  •   Nguva yachinotora: Mwedzi 5.

  •   Vanochipinda: Hofisi yebazi inosarudza vashumiri venguva yakazara kuti vanyorere kuchipinda. Chikoro ichi chinoitirwa kuUnited States paWatchtower Educational Center kuPatterson, New York.


Chikoro Chenhengo Dzedare Rebazi Nemadzimai Avo

  •   Chinangwa: Kudzidzisa hama dziri muDare reBazi g kuti dzitungamirire basa rinoitwa pahofisi yebazi uye zvinhu zvine chekuita nekunamata kweZvapupu zvaJehovha munyika iyoyo kana kuti munyika dziri pasi pehofisi yebazi ravo.

  •   Nguva yachinotora: Mwedzi miviri.

  •   Vanochipinda: Vari kuMahofisi Makuru eZvapupu zvaJehovha ndivo vanosarudza nhengo dzeDare reBazi kuti dzipinde chikoro chacho, icho chinoitirwa paWatchtower Educational Center kuPatterson, New York. Kana vanenge vakokwa vacho vaine madzimai, vanopinda pamwe chete nemadzimai avo.

 Zvinodzidziswa muzvikoro zveZvapupu zvaJehovha zvinobva pai?

 Bhaibheri ndiro rinonyanya kushandiswa pakudzidziswa kunoitwa Zvapupu zvaJehovha. Tinobvuma kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari uye kuti rine dzidziso yakazonaka inobatsira pamararamiro ese echiKristu.—2 Timoti 3:16, 17.

 Zvapupu zvaJehovha zvinobhadhara here kudzidziswa kwazvinoitwa?

 Aiwa. Havabhadhari. Mabasa eZvapupu zvaJehovha anotsigirwa nemari yezvipo.—2 VaKorinde 9:7.

a Bhaibheri nemabhuku edu anotsanangura Bhaibheri, kusanganisira mavhidhiyo, zvinowanika pawebsite yedu inonzi jw.org.

b Piyona zvinoreva mumwe weZvapupu zvaJehovha akabhabhatidzwa anoita zvakanaka, angava murume kana mukadzi, uyo ane chido chekusvitsa maawa akatikuti pamwedzi achiudza vamwe mashoko eBhaibheri.

c Vakuru varume vechiKristu vakasimba pakunamata. Vanodzidzisa zviri muMagwaro uye vanofudza ungano vachiibatsira uye vachiikurudzira. Havabhadharwe basa ravanoita.

d Mutariri wedunhu zvinoreva mushumiri wenguva yakazara anoshanyira ungano dzakasiyana-siyana vhiki rega rega munharaunda yaanenge apiwa. Anokurudzira vaanonamata navo kuburikidza nemharidzo dzeBhaibheri uye kuparidza navo.

e Vashumiri veungano vanoita mabasa akasiyana-siyana ekubatsira hama nehanzvadzi dzavo. Saka izvi zvinobva zvaita kuti vakuru vave nenguva yakawanda yekudzidzisa nekukurudzira.

f Bheteri izita rinopiwa mahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha. Vashumiri venguva yakazara avo vanoshumira ipapo vanotsigira mabasa eZvapupu zvemunharaunda yebazi ravo.

g Dare reBazi rinoumbwa nevarume vatatu kana kupfuura, vakasimba pakunamata.