Enda pane zvauri kuda

Kushandura Mabhuku Mumutauro Wemasaini wekuQuebec

Kushandura Mabhuku Mumutauro Wemasaini wekuQuebec

Munzvimbo dziri kumabvazuva kweCanada dzinotaurwa chiFrench, matsi dzakawanda dzinoshandisa Mutauro Wemasaini wekuQuebec (LSQ). a Sezvo munzvimbo idzi muchingova nematsi dzinosvika 6 000, pane mabhuku mashoma ari mumutauro weLSQ. Munguva ichangobva kupfuura Zvapupu zvaJehovha zvakawedzera kushanda nesimba kuti zvibudise mabhuku emhando yepamusoro mumutauro weLSQ kuti zvibatsire vanhu kunzwisisa Bhaibheri, uye mabhuku aya haatengeswi.

Kuti tinzwisise kubatsira kuri kuita basa rekushandura, inzwa zvakaitika kuna Marcel. Akaberekwa muna 1941 mupurovhinzi yekuCanada inonzi Quebec. Muna 1943 akabatwa nechirwere chinonzi meningitis uye akabva ava matsi. “Pandakanga ndava nemakore 9, ndakatanga kuenda kuchikoro chematsi, uye ndiri ikoko ndakadzidza mutauro weLSQ,” anodaro Marcel. “Mabhuku aingovako chete ndeekuti munhu angoziva mutauro wemasaini.”

Nei zvichikosha kuti mabhuku abudiswe mumutauro weLSQ? Marcel anopindura achiti: “Matsi dzinoda kudzidza nemutauro wadzinonyatsonzwisisa pane kuti dzitadze kunzwisisa nemhaka yemutauro unenge washandiswa. Kana pasina mabhuku emutauro weLSQ, tinotofanira kudzidza nemitauro yevanhu vasiri matsi uye zvakawanda hatizvinzwisisi!”

Kuti Zvapupu zvaJehovha zvibatsire Marcel nedzimwe matsi dzinotaura mutauro weLSQ, zvakabudisa bhuku rekutanga mumutauro weLSQ muna 2005. Munguva ichangobva kupfuura Zvapupu zvakawedzera vanhu vanoita basa rekushandura muguta reMontreal, Quebec. Iye zvino pane vanhu 7 vanoshanda mazuva ese uye vamwe vanopfuura 12 vanouya vachishanda mamwe mazuva. Pane mapoka matatu anoita basa rekushandura, uye panewo mastudio maviri emhando yepamusoro ekurekodhera mavhidhiyo mumutauro weLSQ.

Vanhu vanoshandisa mutauro weLSQ vanoti vari kubatsirwa chaizvo nemavhidhiyo emasaini anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Stéphan Jacques, mutevedzeri wemukuru mukuru wesangano rinobatsira matsi muQuebec rinonzi Association des Sourds de l’Estrie, anoti: “Mavhidhiyo avo ndeemhando yepamusoro. Masainiro avanoita uye zvavanoita chiso zvinoita kuti zvinyatsonzwisisika. Ndinoyemura vanenge vari mumavhidhiyo acho nekuti vanenge vakanyatsopfeka zvakanaka.”

Nharireyomurindi, magazini inoshandiswa neZvapupu zvaJehovha pasi rese pamisangano wazvinoita vhiki rega rega, yava kuwanikwa mumutauro weLSQ uye iri kushandiswa neZvapupu zvaJehovha 220 zviri muungano 7 dzemutauro weLSQ dziri muQuebec pamwe chete nemamwe mapoka arimo. b Zvapupu zviri kuwedzerawo mavhidhiyo anobudiswa paindaneti mumutauro weLSQ, kusanganisira nziyo dzinosimbisa dzinoenderana nezviri muBhaibheri.

Marcel, ambotaurwa patangira nyaya ino ari kufara chaizvo kuti mavhidhiyo akawanda ava kuwanika mumutauro weLSQ. Anonyanya kufarira anobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Anoti, “Chikomborero chaicho kuona mavhidhiyo akawanda emutauro weLSQ pajw.org. Pandinoona zvinhu zvemutauro wangu, ndinofara chaizvo!”

a LSQ (kubva pamashoko echiFrench ekuti Langue des signes québécoise) mutauro wemasaini wakati siyanei nemimwe, kunyange zvazvo uine zvimwe zvawakafanana neMutauro Wemasaini wekuAmerica uyo unoshandiswa nevakawanda.

b Nharireyomurindi yekudzidza mwedzi nemwedzi yemutauro weLSQ yakatanga kubudiswa muna January 2017.