Enda pane zvauri kuda

BHAIBHERI RINOCHINJA UPENYU

“Ndaiva Nehasha Dzisingaiti”

“Ndaiva Nehasha Dzisingaiti”
  • Gore Rekuberekwa: 1975

  • Nyika: Mexico

  • Nhoroondo Yeupenyu: Aiva nehasha dzisingaiti; akambovharirwa mujeri

MARARAMIRO ANDAIITA

 Ndakaberekerwa muSan Juan Chancalaito, taundi diki riri kuChiapas, kuMexico. Vabereki vangu ndeverudzi rwechiChol, rwakabva kudzinza revaMaya. Vabereki vangu vaiva nevana 12, uye ini ndaiva wechi5. Pandaiva mudiki, ini nevana vemumba medu taidzidziswa Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndinozvidemba kuti handina kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri pandakanga ndichiri mudiki.

 Pandakanga ndava nemakore 13, ndakanga ndava kushandisa madrugs uye ndaiva mbavha. Ndichiri pazera iroro, ndakabva pamba uye ndakanga ndangova mombe yemashanga. Ndava nemakore 16, ndakatanga kushanda pane rimwe purazi rembanje. Ndakashanda ipapo kwerinenge gore. Mumwe musi ari manheru pataitakura mbanje yakawanda chaizvo nebhoti, takarwiswa nevamwe varume vechikwata chaitengesawo madrugs uye vakanga vakapakata zvombo. Vakatanga kupfura kwataiva uye ndakapukunyuka nekusvetukira murwizi uye ndakazonobudira nechezasi kwerwizi rwacho. Ndakazotizira kuUnited States.

 Ndava ikoko, ndakaramba ndichiita zvekutengesa madrugs uye izvi zvakandipinza mutsekwende. Ndava nemakore 19, ndakasungwa ndikatongerwa kugara mujeri nemhosva yekuba uye kuedza kuuraya munhu. Ndiri mujeri, ndakabatana nechikwata chematsotsi ndichibva ndapara dzimwe mhosva dzekurwisana nevanhu. Izvi zvakaita kuti vakuru vakuru vepajeri vandiendese kune rimwe jeri raichengetedzwa zvakasimba remuLewisburg, kuPennsylvania.

 Ndava ikoko, maitiro angu akabva atowedzera kuipa. Sezvo ndaiva nematattoo echimwe chikwata chematsotsi, ndakabva ndasvika ndichiona vamwe vanhu vemuchikwata ichocho vaiva nematattoo akafanana neangu, ndichibva ndabatana navo. Ndakanga ndava kugara ndichirwa nevanhu kupfuura zvandaimboita kare. Mumwe musi tiri muchivanze chejeri takanetsana nechimwe chikwata chematsotsi. Takaita setichaurayana, tichirovana netsvimbo dzebaseball nemasimbi ekujima. Magadhi akashandisa matear gas kuti amise kurwisana kwataiita. Vakuru vepajeri vakabva vandibvisa kwandakanga ndiri, vachibva vandiendesa muchitokisi chinoiswa vanhu vanenge vanetsa, vanokuvadza vamwe. Ndaingoerekana ndaviruka nehasha uye ndaitaura zvinyadzi. Ndakanga ndisingatani kurova vanhu. Zvaitondinakidza. Kana ndikarova munhu, ndaisambozvidemba.

KUCHINJWA KWAKAITWA UPENYU HWANGU NEBHAIBHERI

 Ndaigara ndakavharirwa muchitokisi changu ndega zuva rese, saka ndakabva ndatanga kuverenga Bhaibheri kuti ndingowana chekuzvivaraidza nacho. Mumwe gadhi akazondipa bhuku rinonzi Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. a Pandaiverenga bhuku iri, ndakabva ndatanga kuyeuka zvinhu zvakawanda zvandakadzidza ndichiri mudiki pandaidzidziswa Bhaibheri neZvapupu. Ndakabva ndangoona kuti upenyu hwangu hwakanga hwava mumatope nenyaya yehasha. Ndakafungawo nezvevanhu vemumhuri medu. Sezvo hanzvadzi dzangu mbiri dzainge dzava Zvapupu zvaJehovha, ndakatanga kufunga kuti, ‘Vachararama nekusingaperi’. Saka ndakazvibvunza kuti, ‘Ko ini chii chinganditadzisawo?’ Zvakandipa simba rekuti ndide kuchinja.

 Asi ndaiziva kuti ndaitoda kubatsirwa kuti ndikwanise kuchinja. Saka chekutanga ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari uye ndakamuteterera kuti andibatsire. Ndakabva ndanyorera hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yekuUnited States ndichikumbira kudzidziswa Bhaibheri. Hofisi yebazi yakaronga kuti ungano yakanga iri pedyo itaure neni. Panguva iyoyo vanhu veukama ndivo chete vaibvumirwa kundishanyira, saka chimwe Chapupu chemuungano yacho chakatanga kundinyorera tsamba dzinokurudzira uye kunditumira mabhuku anotsanangura Bhaibheri. Zvese izvi zvakandipa simba rekuti ndichinje.

 Chisarudzo chakakura chandakaita chakandibatsira kwaiva kusiyana nechikwata chematsotsi chandainge ndashanda nacho kwemakore. Mukuru wechikwata ichi chematsotsi akanga ari muchitokisi chaiva pedyo nekwandaiva, saka ndakanotaura naye panguva yekumbotandara, uye ndakamuudza kuti ndaida kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndakashamisika paakandiudza kuti: “Kana zviri izvo zvauri kuda kuita, ita hako. Handingakurambidzi kuita nezvaMwari. Asi kana uri kuzviitira kuti ungobva muchikwata, unoziva zvinozoitika.”

 Makore maviri akazotevera, vashandi vepajeri racho vakaona kuchinja kwandaiita unhu hwangu. Izvi zvakaita kuti vatange kundinzwira tsitsi. Semuenzaniso, magadhi akanga asingachandisungi necheni paaindiperekedza kunogeza ndichibva muchitokisi changu. Mumwe gadhi akauya kwandiri achibva andikurudzira kuti ndirambe ndichichinja unhu hwangu. Vakuru vakuru vejeri vakatozondiendesa kune imwe kamba yainge isina magadhi akawanda yaiva pedyo nejeri guru randaimbova, uye ndiko kwandakapikira gore rangu rekupedzisira. Muna 2004, pashure pekunge ndapedza makore 10 ndiri mujeri, ndakasunungurwa ndokubva ndaendeswa kuMexico nebhazi revasungwa.

 Ndichangosvika kuMexico, ndakatsvaga paiva neImba yeUmambo yeZvapupu zvaJehovha. Musi wandakatanga kupinda musangano ndainge ndakapfeka yunifomu yevasungwa, nekuti ndidzo dzega hembe dzaiva nani pane dzandaiva nadzo. Pasinei nemapfekero andainge ndakaita, Zvapupu zvakandigamuchira nemaoko maviri. Pandakaona rudo rwavo, ndakanyatsonzwa kuti ndaiva pakati pevaKristu vechokwadi. (Johani 13:35) Pamusangano iwoyo vakuru veungano vakaronga kuti ndidzidziswe Bhaibheri zvakarongeka. Gore rakazotevera, musi wa3 September 2005, ndakazobhabhatidzwa semumwe weZvapupu zvaJehovha.

 Muna January 2007, ndakatanga kuparidza kwemaawa 70 mwedzi wega wega ndichidzidzisa vamwe Bhaibheri. Muna 2011, ndakagirajuweta kuChikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora, (chava kunzi Chikoro Chevazivisi Vemashoko oUmambo). Chikoro ichi chakandibatsira chaizvo kuti ndinyatsoita mabasa angu nemazvo muungano.

Ndinonakidzwa nekudzidzisa vamwe kuti vave nerugare

 Muna 2013, ndakaroora Pilar, mudzimai wandinoda. Anombondiwanzira achiti anoona sekuti ndinenge ndichimunyepera pandinomuudza mararamiro andaimboita. Handina kumbobvira ndadzokera kumararamiro andaimboita. Ini nemudzimai wangu tinoziva kuti zvandava iye zvino zvinoratidza kuti Bhaibheri rine simba rekuchinja vanhu.—VaRoma 12:2.

KUBATSIRWA KWANDAKAITA

 Ndinonyatsoona kuti mashoko aJesu ari pana Ruka 19:10 anoshanda kwandiri. Anoti: “[Ndakauya] kuzotsvaka nokuzoponesa zvakarasika.” Handichanzwi sekuti ndakarasika muupenyu. Uyezve handichafambi ndichirova vanhu sezvandaimboita. Bhaibheri rakandibatsira kuti ndive nechinangwa muupenyu, ndigarisane nevamwe zvakanaka uye chinonyanya kukosha ndechekuti rakandibatsira kuva neushamwari hwepedyo neMusiki wangu, Jehovha.

[MASHOKO EMUZASI]

a Bhuku iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha asi harichaprindwi. Iye zvino vava kushandisa bhuku rinonzi Rarama Nekusingaperi Uchifara! pakudzidzisa vanhu Bhaibheri.