MAZANO EKUBATSIRA MHURI | KURERA VANA
Chengetedzai Mwana Wenyu Kuti Asaona Zvinonyadzisira
“Tainyatsoziva kuti kuona zvinonyadzisira kune ngozi asi hatina kumbobvira tafunga kuti zvaiva nyore kuti mwanasikana wedu azvione.”—Nicole.
Zviri munyaya ino
Zvamunofanira kuziva
Zvamungaita kuti muchengetedze mwana wenyu kuti asaona zvinonyadzisira
Zvamungaita kana mwana wenyu akaona zvinonyadzisira
Zvamunofanira kuziva
Vana vanogona kuona zvinonyadzisira vachiri vadiki chaizvo. Kubva paongororo dzakaitwa, zvakaonekwa kuti iye zvino vana vanowanzotanga kuona zvinonyadzisira vaine makore 11.
Vana vanogona kuona zvinonyadzisira vasina kumbozvitsvaga. Semuenzaniso, vanogona kusangana nezvinhu zvinonyadzisira pavanenge vachitsvaga zvimwe zvinhu paindaneti kana kuti pavanenge vari pasocial media. Zvinhu zvinonyadzisira zvinenge zvichishambadzirwa zvinogona kungoerekana zvabuda pavanenge vachitamba mavhidhiyo gemhu paindaneti. Zvinhu zvinonyadzisira zvinonyanya kuwanika mumapikicha nemumavhidhiyo. Asiwo zviri nyore kuwana nyaya dzinonyadzisira paindaneti dzekuti munhu anogona kuteerera kana kuverenga.
Zvimwe zvekufunga nezvazvo ndezvekuti vamwe vanhu vanogona kutumira vana zvinhu zvinonyadzisira pamafoni. Pane imwe ongororo yakaitwa yevechidiki vanopfuura 900, inenge 90% yevasikana uye 50% yevakomana yakati vanhu vavanodzidza navo vanogara vachivatumira mapikicha nemavhidhiyo evanhu vasina kupfeka.
Zvinhu zvinonyadzisira zvakakurumbira zvinowanzova nekurwisana. Zvinhu zvinonyadzisira zvakakurumbira uye zviri nyore kuwana zvinowanzova nekurwisana mukati uye kakawanda kacho vanhukadzi ndivo vanenge vachiitirwa utsinye.
Zvinhu zvinonyadzisira zvinokanganisa vana. Ongororo dzakaitwa dzinoratidza kuti vana vanoona zvinhu zvinonyadzisira vanowanzoita zvinhu zvinotevera:
kufoira kuchikoro
kuzvidya mwoyo, kushushikana, uye kuzvitarisira pasi
kuona sekuti hapana chakaipa nekumanikidza mumwe munhu kuti aite zvepabonde navo
Pfungwa inokosha ndeiyi: Vana vari pangozi yekukanganiswa nezvinhu zvinonyadzisira uye vabereki ndivo vane basa rakakura rekuvachengetedza.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mashoko aya andiri kukurayira nhasi anofanira kuva mumwoyo mako, uye unofanira kuramba uchiadzokorora kuvanakomana vako, uchitaura nezvawo paunogara mumba mako nepaunofamba mumugwagwa nepaunorara pasi nepaunomuka.”—Dheuteronomi 6:6, 7.
Zvamungaita kuti muchengetedze mwana wenyu kuti asaona zvinonyadzisira
Zivai kwazvinowanika uye kuti mungadzivirira sei mwana wenyu. Fungai kuti mwana wenyu angangosangana nezvinhu zvinonyadzisira kupi uye panguva dzipi. Semuenzaniso, anoshandisa indaneti asina anenge achimuona here panguva dzekumbozorora kuchikoro?
Zivai zvimwe zvinhu zviri pafoni yake zvamunogona kushandisa kuti asaona zvinonyadzisira uye zivai mapurogiramu aanoshandisa uye magemhu aanotamba. Semuenzaniso, zvimwe zvinoshandiswa pakutumira mameseji pamafoni zvine pakanzi “disappearing messages.” Kana munhu akapabaya anogona kuita kuti meseji, pikicha kana vhidhiyo ine zvinhu zvinonyadzisira ibve pashure penguva pfupi. Yeukaiwo kuti mavhidhiyo gemhu epaindaneti akawanda anoita kuti vatambi vaone zvinonyadzisira uye kuti vatoita sevari kuita zvepabonde.
“Kubva pane zvakaitika kwandiri, ndakaona kuti kana mwana wenyu aine foni inoenda paindaneti, imi semubereki munofanira kugona kuishandisa, kuziva zvamungaita pairi kuti mwana asavhura mamwe mawebsite, uye kugara muchiona kuti zvii zviri kuitwa nemwana wenyu pafoni yacho.”—David.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Mwoyo wemunhu anonzwisisa unowana ruzivo.”—Zvirevo 18:15.
Itai zvese zvamunogona kuti vasaona zvinonyadzisira. Torai matanho ekuderedza mukana wekuti vaone zvinonyadzisira. Semuenzaniso: Itai kuti foni yemwana wenyu, makombiyuta amuinawo pamba, maTV nezvimwewo zvisakwanisa kubudisa zvinonyadzisira. Isai miganhu pazvinhu zvaanokwanisa kuona paanenge achishandisa zvinhu izvi. Zivai mapasiwedhi ese anoshandiswa nemwana wenyu.
“Ndakaona zvichibatsira kugara ndaita kuti pamidziyo yedu yese pasabuda zvinonyadzisira. Ndakaisawo miganhu pamapurogiramu anogona kuonekwa nemwanakomana wangu paTV yedu inoenda paindaneti, uye ndinoziva PIN yepafoni pake.”—Maurizio.
“Handibvumidze vanakomana vangu kuti vaone mavhidhiyo muimba yavanorara vakavhara dhoo. Handivabvumidze kurara nemafoni avo.”—Gianluca.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda.”—Zvirevo 22:3.
Dzidzisai mwana wenyu. Vamwe amai vanonzi Flavia vakati: “Vamwe vabereki havatauri nevana vavo nezvenyaya iyi nekuti vanenge vachizviudza kuti mwana wavo haambofi akasangana nazvo.” Vamwe vabereki vanotyira kuti kana vakatanga kutaura nezvazvo vana vavo vanobva vatotanga kuzvitsvaga. Mafungiro iwaya haana kunaka. Vabereki vakangwara vanogara vadzidzisa vana vavo nezvengozi dzezvinhu zvinonyadzisira vasati vatombosangana nazvo. Mungazviita sei?
Dzidzisai vana vadiki zvavanofanira kuita kana vakasangana nezvinhu zvinonyadzisira. Semuenzaniso, vanogona kuvhara maziso avo kana kudzima chinhu chavanenge vachishandisa. Uye vakurudzirei kuti vakuudzei zvavanenge vaona kana kunzwa. a
“Takatanga kutaura nezvengozi yezvinhu zvinonyadzisira mwana wangu achiri mudiki chaizvo. Paakanga ava nemakore anenge 11, zvinhu zvinonyadzisira zvaishambadzirwa zvakatanga kubuda pagemhu raakanga adhaunirodha pafoni yake. Pazvinhu zvacho paiva nemameseji aimuudza kuti atumire mapikicha ake. Sezvo takanga takakurukura zvaanofanira kuita akasangana nezvinhu zvakadaro, akabva angouya kwandiri achindiudza zvakanga zvaitika.”—Maurizio.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Dzidzisa mwana nzira yaanofanira kufamba nayo; kunyange kana akwegura haazobvi mairi.”—Zvirevo 22:6.
Batsirai vana vari kuyaruka kuti vakunde muedzo wekuona, kuteerera kana kuverenga zvinonyadzisira. Semuenzaniso, batsirai mwana wenyu kuti anyore pasi zvaakatsidza kuita kana akasangana nezvinhu zvinonyadzisira uye kuti nei achida kuita izvozvo. Itai kuti anyorewo matambudziko anovapo kana akaona zvinonyadzisira akadai sekurasikirwa nechiremerera chake, kusavimbwa nevabereki uye kukanganisa ushamwari hwake naMwari. b
“Vana zvavanokura, vabatsirei kufunga matambudziko anovapo kana vakaona zvinonyadzisira. Izvi zvichaita kuti vasakundwa nemuedzo wekuona zvinonyadzisira.”—Lauretta.
“Kana vana vedu vakakwanisa kunzwisisa ngozi dzekuona zvinhu zvinonyadzisira uyewo kuti Jehovha anonzwa sei nezvazvo, zvinogona kuvabatsira kukunda muedzo iwoyo.”—David.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Uchenjeri hunodzivirira.”—Muparidzi 7:12.
Garai muchikurukura. Kunyange zvakaoma kuzvibvuma, vana vanotoda kutaura nevabereki vavo nezvenyaya dzebonde, kusanganisira nyaya yekuona zvinonyadzisira. Dame Rachel de Souza, uyo anoona nezvekodzero dzevana muEngland, (Children’s Commissioner for England) akati: “Vana vanoda kuti tigare tichitaura navo uye titange vachiri vadiki.” Akatiwo “vana vanoda kutaurwa navo zvinoenderana nezera ravo.”
“Pandaikura, paiva nedzimwe nyaya dzekuti vabereki vangu havana kumbobvira vakurukura neni. Ndinoshuva kuti dai tainyatsokurukura takasununguka. Iye zvino zvandava amai, ndinoedza kuita zvese zvandinogona kuti ndigare ndichitaura nevana vangu nezvebonde takasununguka.”—Flavia.
Zvamungaita kana mwana wenyu akaona zvinonyadzisira
Rambai makadzikama. Kana mukaziva kuti mwana wenyu akaona, akateerera, kana kuti akaverenga zvinonyadzisira, edzai kuzvidzora. Anogona kunge achitorwadziwa, achinetseka kana kuti achitozvipa mhosva nezvaakaita. Kumuitira hasha kuchatoita kuti awedzere kunetseka uye kuti asada kuzokuudzai nyaya dzakadaro mune ramangwana.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Munhu ane ruzivo anodzora mashoko ake, uye munhu ane ungwaru acharamba akadzikama.”—Zvirevo 17:27.
Nyatsonzwisisai zvakaitika. Pane kungofungidzira kuti munoziva zvakaitika, bvunzai mibvunzo kuti muzive kuti mwana wenyu akasvika sei pakuona zvinonyadzisira. Semuenzaniso, pane akamutumira mufananidzo wacho here kana kuti akatsvaga ega? Zvakaitika kamwe chete here kana kuti hakasi kekutanga? Mudziyo waakashandisa wakaiswa zvinhu zvinoita kuti asakwanisa kuona zvinhu zvinonyadzisira here? Kana zvakaiswa, akaedza kuzvibvisa here kuti angoona chete? Yeukai kuti chinangwa chenyu ndechekuti muzive zviri pamwoyo pemwana wenyu kwete kumushungurudza nemibvunzo.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Pfungwa dziri mumwoyo memunhu dzakaita semvura yakadzika, asi munhu ane ungwaru anodzibudisa.”—Zvirevo 20:5.
Onai zvekuita. Semuenzaniso, kana kuri kuti akangoerekana azviona, asina kumbozvitsvaga, munogona kugadzirisa zvimwe zvinhu pafoni yake kuti pasabuda zvinonyadzisira.
Kana mukaziva kuti akaita zvekutsvaga zvinhu zvinonyadzisira, murangei zvakasimba asi zvine rudo. Itai kuti mwana wenyu ave nechido chakasimba chekukunda muedzo wekuona zvinonyadzisira kuburikidza nekushandisa magwaro akadai saJobho 31:1, Pisarema 97:10, uye Pisarema 101:3. c Uye muudzei kuti muchataura naye nezvenyaya iyi vhiki rega rega kuti muone kana ari kuchinja uye kana paine zvimwe zvamunogona kuita kuti mumubatsire.
Zvinotaurwa neBhaibheri: “Musatsamwisa vana venyu, asi varerei muchivaranga uye muchivarayira sezvinodiwa naJehovha.”—VaEfeso 6:4.
a Kuti muwane mazano ekuti mungakurukura sei nyaya dzebonde zvinoenderana nezera remwana wenyu onai nyaya yakanzi “Vabereki Vangadzidzisa Sei Vana Vavo Nezvebonde?”
b Kuti muwane mamwe mashoko aanogona kunyora, endai pakanzi Mapepa Ezvandakaronga Kuita Evechiduku motsvaga rakanzi “Kukunda Muedzo Wokuona Zvinonyadzisira.”
c Munogonawo kuverenga mese nyaya yakanzi “Kuona Zvinonyadzisira Kwakaipirei?
Mwana wenyu anogona kuwana zvinhu zvinonyadzisira pazvinhu zvakasiyana-siyana