Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Mitemo Gumi yaMwari?

Chii Chinonzi Mitemo Gumi yaMwari?

Mhinduro yeBhaibheri

 Mitemo Gumi mitemo yakapiwa vaIsraeri naMwari. Mitemo iyi inonziwo Mashoko Gumi, zvichibva pashoko rechiHebheru rekuti ʽaseʹreth had·deva·rim.ʹ Shoko iri rinowanikwa katatu mumabhuku mashanu ekutanga eBhaibheri ayo anozivikanwa sePentateuch (Torah). (Eksodho 34:28; Dheuteronomio 4:13; 10:4) MuchiGiriki Mashoko Gumi anonzi deʹka loʹgous uye ndipo panobva shoko reChirungu rekuti “Decalogue.”

 Mwari akanyora Mitemo Gumi pamatombo maviri achibva aipa muprofita Mosesi paGomo reSinai. (Eksodho 24:12-18) Mitemo Gumi inowanikwa pana Eksodho 20:1-17 uye Dheuteronomio 5:6-21.

 Mitemo Gumi

  1.   Namata Jehovha Mwari chete.​—Eksodho 20:3.

  2.   Usanamata zvidhori.​—Eksodho 20:4-6.

  3.   Usashandisa zita raMwari pasina.​—Eksodho 20:7.

  4.   Chengeta Sabata.​—Eksodho 20:8-11.

  5.   Kudza vabereki vako.​—Eksodho 20:12.

  6.   Usaponda.​—Eksodho 20:13.

  7.   Usaita upombwe.​—Eksodho 20:14.

  8.   Usaba.​—Eksodho 20:15.

  9.   Usava chapupu chenhema.​—Eksodho 20:16.

  10.   Usachiva​—Eksodho 20:17.

 Nei Mitemo Gumi ichisiyana pakurongwa kwayakaitwa?

 Bhaibheri haritauri kuti mitemo iyi inofanira kutevedzana sei pakurongwa kwayo. Saka marongerwo ainoitwa anosiyana zvichienderana nevanhu. Marongerwo ayakaitwa pamusoro apo ndiwo anoitwa nevakawanda, asi vamwe vanoironga zvakasiyana. Musiyano unowanzovapo pamutemo wekutanga, wechipiri newekupedzisira. a

 Chinangwa cheMitemo Gumi chaiva chei?

 Mitemo Gumi yaiva pakati pemitemo yakapiwa Mosesi naMwari. Mitemo yacho yaipfuura 600 uye yaiva chibvumirano kana kuti sungano pakati paMwari nevaIsraeri. (Eksodho 34:27) Mwari akavimbisa vaIsraeri kuti aizovakomborera kana vaizomuteerera. (Dheuteronomio 28:1-14) Asi chinangwa chikuru cheMutemo chaiva chekuti vaIsraeri vagadzirire kuuya kwaMesiya, kana kuti Kristu.​—VaGaratiya 3:24.

 VaKristu vanofanira kuchengeta Mitemo Gumi here?

 Aiwa. Mutemo waMosesi kusanganisira Mitemo Gumi, yakangopiwa vaIsraeri chete. (Dheuteronomio 5:2, 3; Pisarema 147:19, 20) VaKristu havasi pasi pemitemo iyoyo. Kunyange vaKristu vechiJudha ‘vakasunungurwa paMutemo’ iwoyo. (Varoma 7:6) b Mutemo waMosesi wakatsiviwa ‘nemutemo waKristu,’ uyo unosanganisira zvese zvakaudzwa vateveri vaJesu kuti vaite.​—VaGaratiya 6:2; Mateu 28:19, 20.

 Mitemo Gumi ichiri kushanda here mazuvano?

 Ehe. Mitemo iyi inoratidza mafungiro aMwari saka kana tikaidzidza tinobatsirwa. (2 Timoti 3:16, 17) Pfungwa dzinokosha dzinotaurwa muMitemo Gumi dzinoramba dzichingoshanda. (Pisarema 111:7, 8) Dzakawanda dzacho ndidzo dzinoumba dzidziso dziri muTestamende Itsva.​—Verenga chikamu chakanzi “ Dzidziso dziri muMitemo Gumi dzinotaurwa muTestamende Itsva.”

 Jesu akadzidzisa kuti Mutemo waMosesi, kusanganisira Mitemo Gumi, zvaibva pamitemo miviri inokosha. Akati: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’ Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’ Mutemo wose, uye Zvakanyorwa nevaprofita zvakavakirwa pamirayiro iyi miviri.” (Mateu 22:34-40) Saka kunyange zvazvo vaKristu vasingatarisirwi kutevedzera Mutemo waMosesi, vanorayirwa kuda Mwari nevamwe vanhu.​—Johani 13:34; 1 Johani 4:20, 21.

  Dzidziso dziri muMitemo Gumi dzinotaurwa muTestamende Itsva

Dzidziso

Painowanikwa muTestamende Itsva

Namata Jehovha Mwari chete

Zvakazarurwa 22:8, 9

Usanamata zvidhori

1 VaKorinde 10:14

Kudza zita raMwari

Mateu 6:9

Namata Mwari nguva dzese

VaHebheru 10:24, 25

Kudza vabereki vako

VaEfeso 6:1, 2

Usauraya

1 Johani 3:15

Usaita upombwe

VaHebheru 13:4

Usaba

VaEfeso 4:28

Usava chapupu chenhema

VaEfeso 4:25

Usachiva

Ruka 12:15

a Patsika dzekare dzechiJudha, ‘mutemo uri pana Eksodho 20:2 ndiwo waiva pekutanga uye yaiva pavhesi 3-6 vaiiti mutemo mumwe chete, saka vaiti ndiwo wechipiri.’ (The Jewish Encyclopedia) Kana iri chechi yeRoma inoti mitemo iri pana Eksodho 20:1-6, mutemo mumwe chete. Mutemo wekuti usataura zita raMwari pasina vanouisa pechipiri. Kuti mitemo yacho izokwana 10, mutemo wekupedzisira wekuti usachiva mudzimai wemuvakidzani wako uye zvinhu zvake, vanoukamura kuva mitemo miviri.

b VaRoma 7:7 inotaura nezvemutemo wechi10 kuratidza kuti Mitemo Gumi yaivawo pakati pemimwe mitemo yakapiwa Mosesi.